Tirikungodzungaira.
Magitare anyarara.
Mhepo iya yapfura nepano,
yatonhodza nyika,
yashevedza mhere.
Nekwanga kwakanyarara,
zvanzi Nzou iripi?
Hapana angadaire,
Asi yangairipano,
tsoka dzayo dzizere,
nyika yose, dzizere,
Nzou yangairipano-
mashoko ayo
achiri kupoterera mumhepo,
achiri kusimudza makumbo,
achiri kunyaradza kuzhamba.
Yangairipano. Murikuiona. Murikuinzwa.
Iripano. Ichiripano. Mumweya.
Mimanzi. Magitare. Mhepo.
Iripano.
© Iz Mazano 2019
For Tuku
(Oliver Mtukudzi – 22 Sept 1952 to 23 Jan 2019)
Photo: Photo by Jennifer Latuperisa-Andresen on Unsplash